Mapisarema 141

Pisarema raDhavhidhi. 1 Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri. Inzwai inzwi rangu pandinodana kwamuri. 2 Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuwira; kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana. 3 Isai murindi pamuromo wangu, imi Jehovha; chengetai mukova wemiromo yangu. 4 Mwoyo wangu ngaurege kukweverwa kune zvakaipa, kuti ndiitewo mabasa akaipa navanhu vanoita zvakaipa; ngandirege kudya […]

Mapisarema 142

Masikiri raDhavhidhi. Paakanga ari mubako. Munyengetero. 1 Ndinodanidzira nenzwi guru kuna Jehovha; ndinosimudzira inzwi rangu kuna Jehovha, kuti andinzwire nyasha. 2 Ndinodurura kugunun’una kwangu pamberi pake; ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake. 3 Mweya wangu paunoziya mandiri, imi ndimi munoziva nzira yangu. Munzira mandinofamba, vanhu vakandivanzira misungo. 4 Tarirai kurudyi rwangu mugoona; hakuna ane hanya nemi. […]

Mapisarema 143

Pisarema raDhavhidhi. 1 Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu, ndinzwirei nyasha pakuchema kwangu; uyai mundisunungure nokutendeka uye nokururama kwenyu. 2 Musauyisa muranda wenyu mukutongwa, nokuti hakuna mupenyu akarurama pamberi penyu. 3 Muvengi anondidzinganisa, anondipwanyira pasi; anondiita kuti ndigare murima savaya vakafa kare. 4 Saizvozvo mweya wangu unoziya mukati mangu; mwoyo wangu unovhundutswa mukati mangu. 5 Ndinorangarira […]

Mapisarema 144

Pisarema raDhavhidhi. 1 Jehovha Dombo rangu ngaarumbidzwe, iye anodzidzisa maoko angu kurwa. 2 Ndiye Mwari anondida uye nhare yangu, shongwe yangu nomudzikinuri wangu, nenhoo yangu uye ndinovanda maari, iye anoisa marudzi pasi pangu. 3 Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamune hanya naye? Kana mwanakomana womunhu zvamunomufunga? 4 Munhu akafanana nomweya; mazuva ake akaita somumvuri unopfuura. 5 […]

Mapisarema 145

Pisarema rokurumbidza, raDhavhidhi. 1 Ndichakukudzai, Mwari wangu Mambo; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi-peri. 2 Ndichakurumbidzai mazuva ose, uye ndichakudza zita renyu nokusingaperiperi. 3 Jehovha mukuru uye akafanira kurumbidzwa; ukuru hwake hahunganzverwi nomunhu. 4 Rumwe rudzi rucharumbidza mabasa enyu kuno rumwe; vachareva zvamabasa enyu esimba. 5 Vachataura nezvokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu, uye ndichafungisisa pamusoro pemabasa enyu anoshamisa. […]

Mapisarema 146

1 Rumbidza Jehovha. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu. 2 Ndicharumbidza Jehovha mazuva ose oupenyu hwangu; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu. 3 Regai kuvimba namachinda, navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa. 4 Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu; pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina. 5 Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho, tariro yake […]

Mapisarema 147

1 Rumbidzai Jehovha. Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza, zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza! 2 Jehovha anovaka Jerusarema; anounganidza vakadzingwa vaIsraeri. 3 Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo. 4 Anotara kuwanda kwenyeredzi, anodana imwe neimwe nezita rayo. 5 Ishe wedu mukuru uye ane simba guru; kunzwisisa kwake hakuperi. 6 Jehovha anotsigira vanozvininipisa, […]

Mapisarema 148

1 Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai Jehovha kubva kumatenga, murumbidzei panzvimbo dzokumusoro-soro. 2 Murumbidzei, imi vatumwa vake vose, murumbidzei, imi hondo dzake dzose dzokudenga. 3 Murumbidzei, imi zuva nomwedzi, murumbidzei, imi nyeredzi dzose dzinopenya. 4 Murumbidzei, imi matenga ari kumusoro-soro, nemi mvura zhinji iri pamusoro pamatenga. 5 Ngazvirumbidze zita raJehovha, nokuti akarayira, izvo zvikasikwa. 6 Akazviisa panzvimbo […]

Mapisarema 149

1 Rumbidzai Jehovha. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, rumbidzo yake paungano yavatsvene. 2 Israeri ngavafarire Muiti wavo; vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo. 3 Ngavarumbidze zita rake vachitamba, uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira. 4 Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso. 5 Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake, uye vaimbe nomufaro vari panhoo dzavo. 6 Kurumbidzwa kwaMwari […]

Mapisarema 150

1 Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai Mwari munzvimbo yake tsvene; murumbidzei mumatenga esimba rake. 2 murumbidzei nokuda kwamabasa ake esimba; murumbidzei nokuda kwoukuru hwake hunokunda zvose. 3 Murumbidzei nenzwi rehwamanda, murumbidzei nembira nomutengeranwa. 4 Murumbidzei nematambureni muchitamba, murumbidzei norudimbwa nenyere. 5 Murumbidzei namakandira anorira, murumbidzei namakandira anorira kwazvo. 6 Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha. Rumbidzai Jehovha.