Mapisarema 111

1 Rumbidzai Jehovha. Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose, paungano yavakarurama napagungano. 2 Mabasa aJehovha makuru; anorangarirwa navose vanofara maari. 3 Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi. 4 Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe; Jehovha ane nyasha nengoni. 5 Anopa zvokudya kuna avo vanomutya; anorangarira sungano yake nokusingaperi. 6 Akaratidza vanhu vake simba ramabasa […]

Mapisarema 112

1 Rumbidzai Jehovha. Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha, anofarira mirayiro yake zvikuru. 2 Vana vake vachava nesimba panyika; zvizvarwa zvavakarurama zvicharopafadzwa. 3 Pfuma nezvakawanda zviri mumba make, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi. 4 Kunyange murima akarurama anobudirwa nechiedza, iye munhu ane nyasha nengoni uye akarurama. 5 Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinji uye anokweretesa pachena, anofambisa nzira […]

Mapisarema 113

1 Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha. 2 Zita raJehovha ngarirumbidzwe, kubva zvino kusvikira narini. 3 Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro, zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa. 4 Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose; kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga. 5 Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu, iye anogara pachigaro choushe chokumusorosoro, 6 anokotamira pasi kuti […]

Mapisarema 114

1 Israeri akati abuda muIjipiti, imba yaJakobho ichibva kurudzi runo mutauro wokumwe, 2 Judha akava imba tsvene yaMwari, Israeri ushe hwake. 3 Gungwa rakazviona rikatiza, Jorodhani rwakadzokera shure; 4 makomo akakwakuka samakondohwe, zvikomo samakwayana. 5 Haiwa gungwa, wakatizeiko, iwe Jorodhani zvawakadzokera shure, 6 imi makomo zvamakakwakuka samakondohwe, nemi zvikomo, samakwayana? 7 Dedera, iwe nyika pamberi […]

Mapisarema 115

1 Kwete kwatiri, Jehovha, kwete kwatiri, asi kukudzwa ngakupiwe kuzita renyu, nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu. 2 Sei ndudzi dzichiti, “Mwari wavo aripiko?” 3 Mwari wedu ari kudenga; anoita zvose zvinomufadza. 4 Asi zvifananidzo zvavo isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu. 5 Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona; 6 zvine nzeve, asi […]

Mapisarema 116

1 Ndinoda Jehovha, nokuti akanzwa inzwi rangu; akandinzwira tsitsi pakuchema kwangu. 2 Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri, ndichadana kwaari mazuva ose oupenyu hwangu. 3 Misungo yorufu yakandipinganidza, kurwadza kweguva kwakauya pamusoro pangu; ndakakundwa nenhamo nokusuwa. 4 Ipapo ndakadana kuzita raJehovha ndikati, “Haiwa Jehovha, ndiponesei!” 5 Jehovha ane nyasha uye akarurama; Mwari wedu azere netsitsi. 6 […]

Mapisarema 118

1 Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi. 2 Israeri ngaati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” 3 Imba yaAroni ngaiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” 4 Avo vanotya Jehovha ngavati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” 5 Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha, uye akandipindura nokundisunungura. 6 Jehovha aneni; handingatyi. Munhu angandiiteiko? 7 Jehovha aneni; ndiye mubatsiri wangu. Ndichatarira […]

Mapisarema 119

Arefi 1 Vakaropafadzwa avo vane nzira isina chaingapomerwa, vanofamba mumurayiro waJehovha. 2 Vakaropafadzwa avo vanochengeta zvaakatema, vanomutsvaka nomwoyo wavo wose. 3 Havaiti chinhu chakaipa; vanofamba munzira yake. 4 Imi makaisa zvirevo zvinofanira kuteererwa. 5 Haiwa, dai nzira dzangu dzakasimba pakuteerera zvirevo zvenyu! 6 Ipapo handaizonyadziswa pandinorangarira mirayiro yenyu. 7 Ndichakurumbidzai nomwoyo wakarurama, sezvo ndichidzidza mirayiro […]

Mapisarema 120

Rwiyo rworwendo. 1 Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu, uye anondipindura. 2 Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema, nendimi dzinonyengera. 3 Achaiteiko kwauri, uye chimwe chiiko kunze kwezvizvi, iwe rurimi runonyengera? 4 Achakuranga nemiseve yakapinza yemhare, namazimbe anopfuta omuti womurara. 5 Ndine nhamo ini ndinogara muMesheki, kuti ndinogara pakati pamatende eKedhari! 6 Ndakagara nguva refu pakati […]