Mapisarema 121

Rwiyo rworwendo. 1 Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko? 2 Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi. 3 Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri; 4 zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata. 5 Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri paruoko rwako rworudyi; 6 zuva haringakubayi masikati, kana mwedzi usiku. 7 Jehovha achakuchengeta pane […]

Mapisarema 122

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. 1 Ndakafara pavakati kwandiri, “Handei kumba yaJehovha.” 2 Tsoka dzedu dzimire mukati mamasuo ako, iwe Jerusarema. 3 Jerusarema rakavakwa seguta rakapakata kwazvo. 4 Ndiko kunokwira marudzi, iwo marudzi aJehovha, kundorumbidza zita raJehovha maererano nezvakatemerwa Israeri. 5 Zvigaro zvokutonga zvimire ikoko, zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi. 6 Nyengetererai rugare rweJerusarema: “Vanokuda dai vagara zvakanaka. […]

Mapisarema 123

Rwiyo rworwendo. 1 Ndinosimudzira meso angu kwamuri, kunemi mune chigaro choushe kudenga. 2 Sokutarira kunoita meso enhapwa kuna vatenzi vadzo, sezvinoita meso omurandakadzi achitarira ruoko rwatenzikadzi wake, saizvozvo meso edu anotarira kuna Jehovha Mwari wedu, kusvikira atinzwira ngoni. 3 Tinzwirei ngoni, imi Jehovha, tinzwirei ngoni, nokuti takatsunga pakuzvidzwa kwakawanda. 4 Takatsunga zvikuru pakumhurwa kunobva kuna […]

Mapisarema 124

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. 1 Dai Jehovha akanga asiri kurutivi rwedu, Israeri ngavati, 2 dai Jehovha akanga asiri kurutivi rwedu patakarwiswa navanhu, 3 apo kutsamwa kwavo kwakatimukira, vangadai vakatimedza tiri vapenyu; 4 mafashamu angadai akatifukidza, mvura zhinji ingadai yakatikukura, 5 mvura zhinji ine hasha ingadai yakatirasira kure. 6 Jehovha ngaarumbidzwe, asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo. […]

Mapisarema 125

Rwiyo rworwendo. 1 Vanovimba naJehohva vakafanana neGomo reZioni, risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi. 2 Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo, saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake kubva zvino nokusingaperi. 3 Tsvimbo yavasakarurama haingagari pamusoro penyika yakagoverwa vakarurama, nokuti ipapo vakarurama vangazotambanudzira maoko avo kuita zvakaipa. 4 Haiwa Jehovha, itirai zvakanaka, kuna avo vakanaka, kuna avo vane mwoyo yakarurama. 5 […]

Mapisarema 126

Rwiyo rwoRwendo. 1 Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni, takanga tava savanhu vairota. 2 Miromo yedu yakanga izere nokuseka, ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro. Ipapo zvakanzi pakati pendudzi, “Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.” 3 Jehovha atiitira zvinhu zvikuru, uye tazara nomufaro. 4 Tidzorereizve nhaka yedu, imi Jehovha, sehova dzeNegevhi. 5 Avo vanodyara nemisodzi vachakohwa nenziyo dzomufaro. 6 Uyo […]

Mapisarema 127

Rwiyo rworwendo rwaSoromoni. 1 Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanoshandira pasina. Kana Jehovha asingachengeti guta, varindi vanomira vakarinda pasina. 2 Hazvina maturo kumuka mangwanani nokunonoka kuvata, uchitambudzikira zvokudya, nokuti anopa hope kuna vaanoda. 3 Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha, vana mubayiro unobva kwaari. 4 Semiseve mumaoko emhare ndizvo zvakaita vanakomana voujaya. 5 Akaropafadzwa murume […]

Mapisarema 128

Rwiyo rworwendo. 1 Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake. 2 Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nokubudirira zvichava zvako. 3 Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi, vakakomberedza tafura yako. 4 Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa, anotya Jehovha. 5 Dai Jehovha akuropafadzai kubva kuZioni, mazuva ose oupenyu hwenyu; dai maona […]

Mapisarema 129

Rwiyo rworwendo. 1 Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, Israeri ngaati, 2 “Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, asi havana kundikunda. 3 Varimi vakarima musana wangu vakaita miforo yavo mirefu.” 4 Asi Jehovha akarurama; akandisunungura pamabote avakaipa. 5 Dai vose vanovenga Zioni vadzorerwa shure nenyadzi. 6 Dai vaita souswa pamusoro pedenga remba, hunooma husati hwakura; 7 mukohwi […]

Mapisarema 130

Rwiyo rworwendo. 1 Ndakadanidzira kwamuri Jehovha, ndiri pakadzika; 2 haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu. Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni. 3 Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvangu, haiwa Jehovha, ndianiko aimira? 4 Asi kukanganwira kuri kwamuri; naizvozvo imi munotyiwa. 5 Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira, uye tariro yangu iri mushoko rake. 6 Mweya wangu […]