Mapisarema 61

Kumutungamiri wokuimba, nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raDhavhidhi. 1 Inzwai kuchema kwangu, imi Mwari; rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu. 2 Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri, ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya; nditungamirirei kudombo rakareba kundipfuura. 3 Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu. 4 Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi, uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro […]

Mapisarema 62

Kumutungamiri wokuimba, Jedhutuni. Pisarema raDavhidhi. 1 Mweya wangu unozorora muna Mwari oga; ruponeso rwangu runobva kwaari. 2 Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi. 3 Muchasvika kupiko muchingorova munhu? Ko, imi mose muchamukanda pasi here, iyeyu rusvingo rwakarereka, noruzhowa rwuri kuwa? 4 Vanofunga kwazvo zvokumuwisira pasi kubva panzvimbo yake yakakwirira; vanofarira […]

Mapisarema 63

Pisarema raDhavhidhi paakanga ari murenje reJudha. 1 Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu, ndinokutsvakai nomwoyo wose; mwoyo wangu une nyota kwamuri, muviri wangu unokupangai, munyika yakaoma uye yasakara isina mvura. 2 Ndakakuonai munzvimbo yenyu tsvene, uye ndikaona simba renyu nokubwinya kwenyu. 3 Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu, miromo yangu ichakurumbidzai. 4 Ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu, uye ndichasimudza […]

Mapisarema 64

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndinzweiwo, imi Mwari, pandinotaura chichemo changu; dzivirirai upenyu hwangu pakutyisidzira kwavavengi. 2 Ndivanzei pakurangana kwavakaipa, ndibve pazhowezhowe yeungano yavaiti vezvakaipa. 3 Vanorodza ndimi dzavo seminondo, uye vanonanga namashoko avo semiseve inouraya. 4 Vanopfura vari pakavanda munhu asina mhosva; vanomupfura pakarepo, vasingatyi. 5 Vanokurudzira mumwe nomumwe wavo pakufunga zvakaipa, vanotaura pamusoro […]

Mapisarema 65

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo. 1 Kurumbidzwa kwakakumirirai, imi Mwari, muZioni; kwamuri mhiko dzedu dzichazadziswa. 2 Haiwa, imi munonzwa munyengetero, vanhu vose vachauya kwamuri. 3 Patakanga takafukidzwa nezvivi, makakanganwira kudarika kwedu. 4 Vakaropafadzwa avo vamunosarudza navamunoswededza pedyo kuti vagare pavanze dzenyu! Takagutswa nezvinhu zvakanaka zveimba yenyu, zvetemberi yenyu tsvene. 5 Munotipindura namabasa okururama anotyisa, imi […]

Mapisarema 66

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo. Pisarema. 1 Danidzirai nomufaro kuna Mwari, imi nyika yose! 2 Imbirai mukurumbira wezita rake; murumbidze zvikuru kukudzwa kwake! 3 Muti kuna Mwari, “Mabasa enyu anotyisa sei! Simba renyu iguru zvokuti vavengi venyu vanodedera pamberi penyu. 4 Nyika yose inokukotamirai; vanokuimbirai nziyo dzokurumbidza, vanoimba nziyo dzokurumbidza zita renyu.”Sera 5 Uyai muone zvaitwa naMwari, […]

Mapisarema 67

Kumutungamiri wokuimba nomutengeranwa une hungiso. Pisarema. Rwiyo. 1 Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu,Sera 2 kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose. 3 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei. 4 Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika.Sera 5 Marudzi ngaakurumbidzei, imi […]

Mapisarema 68

Mutungamiri mukuru wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo. 1 Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe; vavengi vake ngavatize pamberi pake. 2 Sokupeperetswa kunoitwa utsi nemhepo, saizvozvo vapeperetsei; sokunyauka kunoita namo pamberi pomoto, vakaipa ngavaparare pamberi paMwari. 3 Asi vakarurama ngavafare, uye vafarisise pamberi paMwari; ngavafare uye vapembere. 4 Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, murumbidzei zvikuru iye […]

Mapisarema 69

Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo a“Maruva eMahapa.” Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndiponesei, imi Mwari, nokuti mvura zhinji yakwira kusvikira pamutsipa wangu. 2 Ndinonyura munhope yakadzika, pasina pangatsika makumbo angu. Ndapinda mumvura yakadzika; ndafukidzwa namafashamu. 3 Ndaneta nokuridza mhere yokuti ndibatsirwe; huro dzangu dzaoma, meso angu aneta, nokumirira Mwari wangu. 4 Vanondivenga ndisina mhosva vakawanda kupfuura bvudzi romusoro wangu; […]

Mapisarema 70

1 Kurumidzai kundiponesa, imi Mwari; Haiwa Jehovha kurumidzai kuuya mundibatsire. 2 Vanotsvaka upenyu hwangu ngavanyadziswe uye vakanganiswe; vose vanofarira kuparara kwangu ngavadzorwe shure vanyare. 3 Vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!” ngavadzorerwe shure nokuda kwenyadzi dzavo. 4 Asi vose vanokutsvakai ngavafare nokufarisisa mamuri; vanoda ruponeso rwenyu ngavagare vachiti, “Mwari ngaakudzwe!” 5 Asi ndiri murombo nomushayiwi; […]