Mapisarema 41

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba; Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika. 2 Jehovha achamudzivirira uye achachengetedza upenyu hwake; achamuropafadza panyika uye haangamuisi kuchido chavavengi vake. 3 Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere uye achamuponesa panhoo yake yourwere. 4 Ini ndakati, “Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni; ndiporesei, nokuti ndakakutadzirai.” 5 Vavengi vangu vachindigodora vanoti, […]

Mapisarema 42

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaVanakomana vaKora. 1 Senondo inotakwairira hova dzemvura, saizvozvo mweya wangu unokutakwairirai, imi Mwari. 2 Mweya wangu une nyota kuna Mwari, nyota yaMwari mupenyu. Ndingaenda riniko kundosangana naMwari? 3 Misodzi yangu yanga iri zvokudya zvangu masikati nousiku, asi zuva rose vanhu vanoti kwandiri, “Mwari wako aripiko?” 4 Ndinorangarira zvinhu izvi pandinodurura mweya […]

Mapisarema 43

1 Ndiruramisirei, imi Mwari, uye mundireverere mhaka yangu parudzi rusina Mwari; ndinunurei pavanhu vanonyengera navakaipa. 2 Ndimi Mwari nhare yangu. Mandirambireiko? Ndinofambireiko pose ndichichema ndichidzvinyirirwa navavengi? 3 Tumirai chiedza chenyu nechokwadi chenyu, ngazvinditungamirire; ngazvindisvitse kugomo renyu dzvene, kunzvimbo yamunogara. 4 Ipapo ndichaenda kuaritari yaMwari, kuna Mwari, iye mufaro wangu nomudikani wangu. Ndichakurumbidzai nembira, imi Mwari, […]

Mapisarema 44

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri. 1 Haiwa Mwari, takanzwa nenzeve dzedu; madzibaba edu akatiudza zvamakaita pamazuva avo, pamazuva ekare. 2 Noruoko rwenyu makadzinga ndudzi uye mukasima madzibaba edu; makapwanya marudzi mukaita kuti madzibaba edu abudirire. 3 Havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, uye ruoko rwavo haruna kuvakundisa; rwakanga rwuri ruoko rwenyu rworudyi, irwo ruoko rwenyu, nokupenya […]

Mapisarema 45

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri nomuimbirwo wa “Maruva aMahapa.” Rwiyo rwoMuchato. 1 Mwoyo wangu unobvongodzwa nedingindira rakanaka, pandinodetembera mambo ndima dzangu; rurimi rwangu chinyoreso chomunyori anogona. 2 Imi makanakisisa pavanhu vose uye miromo yenyu yakazadzwa nenyasha, sezvo Mwari akakuropafadzai nokusingaperi. 3 Sungai munondo wenyu parutivi, imi wamasimba, zvishongedzei nokubwinya noumambo. 4 Paumambo hwenyu kwirai mukunde […]

Mapisarema 46

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Namaimbirwo earamoti. Rwiyo. 1 Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika. 2 Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka, uye makomo akawira mukatikati megungwa, 3 kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo, uye makomo akadengenyeswa namafungu aro.Sera 4 Pane rwizi ruripo rune hova dzinofadza guta raMwari, nzvimbo tsvene […]

Mapisarema 47

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema. 1 Uchirai maoko, imi vanhu vose; pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro. 2 Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei, iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose! 3 Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu, marudzi pasi petsoka dzedu. 4 Akatitsaurira nhaka yedu, iyo pfuma yaJakobho, waakada.Sera 5 Mwari akakwira pakati pokudanidzira kwomufaro, Jehovha pakati pokurira kwehwamanda. […]

Mapisarema 48

Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora. 1 Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo, muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene. 2 Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose. Sokumusoro-soro kweZafoni, ndizvo zvakaita Gomo reZioni, guta raMambo Mukuru. 3 Mwari ari munhare dzaro; akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro. 4 Madzimambo akati abatanidza mauto, vakati vafamba pamwe chete kundorwa, 5 […]

Mapisarema 49

Kumutungamiri wokuimba, waVanakomana vaKora. Pisarema. 1 Inzwai izvi, imi vanhu mose; teererai imi mose mugere panyika, 2 vapasi navapamusoro, vapfumi navarombo pamwe chete. 3 Muromo wangu uchataura nouchenjeri; kutaura kunobva pamwoyo wangu kuchapa kunzwisisa. 4 Ndicharerekera nzeve yangu kuchirevo; nembira ndichadudzira shoko rangu rakavanzika. 5 Ndinotyireiko kana mazuva akaipa achiuya, kana vanyengeri vakaipa vandikomberedza, 6 […]

Mapisarema 50

Pisarema raAsafi. 1 Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha, anotaura uye anodana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira. 2 Kubva kuZioni, rakakwana parunako, Mwari anopenya. 3 Mwari wedu anouya uye haanganyarari; moto unoparadza pamberi pake, uye dutu rine hasha rakamupoteredza. 4 Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti: 5 “Ndiunganidzirei vatsvene vangu, vakaita sungano […]