Mapisarema 51

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Panguva yakauya muprofita Natani kwaari shure kwokuita upombwe kwaDhavhidhi naBhatishebha. 1 Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari, nokuda kworudo rwenyu rusingaperi; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu huru. 2 Shambidzai zvakaipa zvangu zvose uye mundinatse kubva pachivi changu. 3 Nokuti ndinoziva kudarika kwangu, uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu. 4 Ndakakutadzirai imi, […]

Mapisarema 52

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. Dhoegi muEdhomu paakanga aenda kuna Sauro akamuudza kuti: “Dhavhidhi aenda kumba kwaAhimereki.” 1 Ko, unozvikudzirei pane zvakaipa, iwe murume wesimba? Unozvikudzirei zuva rose, iyewe unonyadzisa pamberi paMwari? 2 Rurimi rwako runofarira zvokuparadza; rwakaita sechisvo chakarodzwa, iyewe unogara uchingonyengera. 3 Unoda zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka, kureva nhema pachinzvimbo chokutaura chokwadi.Sera 4 Unoda […]

Mapisarema 53

Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo eMaharati. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. 1 Benzi rinoti mumwoyo maro, “Mwari hakuna.” Vakaora, uye nzira dzavo dzakaipa; hakuna anoita zvakanaka. 2 Mwari anotarira ari kudenga, pavanakomana vavanhu, kuti aone kana aripo anonzwisisa, kana aripo anotsvaka Mwari. 3 Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure, vakava vakaora pamwe chete; hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe. 4 Ko, […]

Mapisarema 54

Kumutungamiri wokuimba nomitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. VaZefati pavakaenda kuna Sauro kundoti, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pakati pedu here?” 1 Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu; ndiruramisirei nesimba renyu. 2 Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari; teererai kumashoko omuromo wangu. 3 Vatorwa vanondirwisa; vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasingazivi Mwari.Sera 4 Zvirokwazvo Mwari ndiye […]

Mapisarema 55

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. 1 Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, imi Mwari; regai kushaya hanya nokukumbira kwangu; 2 ndinzwei, uye ndipindureiwo. Pfungwa dzangu dzinondinetsa uye ndiri kushushikana, 3 pandinonzwa inzwi romuvengi wangu, pandinodzvokorwa navakaipa; nokuti vanodururira matambudziko pamusoro pangu, uye vanondituka mukutsamwa kwavo. 4 Mwoyo wangu unorwadziwa mukati mangu; kutyisa kworufu […]

Mapisarema 56

Kumutungamiri wokuimba. Namaririro e“Njiva pamiOuki iri kure.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakabatwa navaFiristia paGati. 1 Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, nokuti vanhu vanondidzinganisa nehasha; zuva rose vanorwa neni. 2 Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose; vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo. 3 Pandinenge ndotya, ndichavimba nemi. 4 Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Mwari ndinovimba; handichazotyi. Ko, […]

Mapisarema 57

Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakatiza kubva kuna Sauro akapinda mubako. 1 Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, ndinzwirei ngoni, nokuti mweya wangu unovanda mamuri. Ndichavanda mumumvuri wamapapiro enyu, kusvikira njodzi yapfuura. 2 Ndinodanidzira kuna Mwari Wokumusoro-soro, kuna Mwari anozadzisa chinangwa chake kwandiri. 3 Anotuma kubva kudenga agondiponesa, achituka vaya vanondidzingirira nehasha;SeraMwari anotumira […]

Mapisarema 58

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. 1 Ko, imi vatongi munotaura kururamisira here? Munotonga pakati pavanhu nokururamisira here? 2 Kwete, munofunga kusaruramisira mumwoyo menyu, uye maoko enyu anomanikidza panyika. 3 Kunyange kubvira pakuberekwa, vakaipa vanofamba mukutsauka; kubva mudumbu ramai, vakaipa uye vanoreva nhema. 4 Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka, vakafanana nemhakure yadzivira […]

Mapisarema 59

Kumutungamiri wokuimba nomuimbiro unoti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Sauro paakanga atuma varume kundorinda imba yaDhavhidhi kuti amuuraye. 1 Ndirwirei pavavengi vangu, imi Mwari; Ndidzivirirei kubva kuna avo vanondimukira. 2 Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, uye mundiponese pavanhu vanokarira kuteura ropa. 3 Tarirai kundivandira kwavakaita! Vanhu vanotyisa vanondirangana pasina mhosva yandapara kana chivi, nhai Jehovha. 4 Handina […]

Mapisarema 60

Kumutungamiri wokuimba nomuimbiro we“Ruva reMahapa reSungano.” Rwiyo rweMikitami rwaDhavhidhi. Rwokudzidzisa. Paakarwa neAramu Naharaimi neAramu Zobha, uye panguva yakadzoka Joabhu akaparadza zviuru gumi nezviviri zvavaEdhomu muMupata woMunyu. 1 Makatiramba, imi Mwari, uye mukatirwisa; makanga makatsamwa, zvino tidzorei henyu! 2 Makazungunusa nyika mukaitsemura napakati; gadzirai henyu mitswe yayo, nokuti iri kudengenyeka. 3 Makaratidza vanhu venyu nguva dzakaoma; […]