Mapisarema 10

1 Munomirireiko kure, imi Jehovha? Munozvivanzireiko panguva yokutambudzika?

2 Pakuzvikudza kwake munhu akaipa anovhima vasina simba, vanobatwa namano okufunga kwake.

3 Anozvirumbidza pamusoro pezvinopangwa nomwoyo wake; anoropafadza vanokara uye anozvidza Jehovha.

4 Pakuzvikudza kwake wakaipa haamutsvaki; mundangariro dzake dzose hamuna nzvimbo yaMwari.

5 Nzira dzake dzinobudirira nguva dzose; anozvikudza uye mirayiro yenyu iri kure naye; anodadira vavengi vake vose.

6 Anoti pakufunga kwake, “Hakuna chichandizunungusa; ndichagara ndakafara uye handingatongotambudziki.”

7 Muromo wake uzere nokutuka nokureva nhema, uye nokutyisidzira; matambudziko nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.

8 Anovandira ari pedyo nemisha; pakuvandira uku anouraya vasina mhosva, ari panzvimbo yakavanzika anotarira vaachaparadza.

9 Anovandira seshumba iri panzvimbo yayo; anovandira kuti abate vasina anovabatsira; anobata vasina anobatsira uye anovakweva achienda navo mumumbure wake.

10 Vabatwa vake anovapwanya, vanowa; vanowira pasi pesimba rake.

11 Anoti mumwoyo make, “Mwari akanganwa; akafukidza chiso chake uye haazoonizve.”

12 Simukai, imi Jehovha! Simudzai ruoko rwenyu, imi Mwari. Regai kukanganwa vanomanikidzwa.

13 Munhu akaipa anozvidzireiko Mwari? Seiko achiti mumwoyo make, “Haazondibvunzi?”

14 Asi imi, iyemi Mwari, munoona kutambudzika nokusuwa; munokutarisisa kuti mukupedze. Asina simba anozviisa kwamuri; muri mubatsiri wenherera.

15 Vhunai ruoko rwowakaipa norwomunhu akaipa; ngaazvidavirire pazvakaipa zvake zvakanga zvisingazoonekwi.

16 Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri; ndudzi dzichaparara munyika yake.

17 Munonzwa henyu, imi Jehovha, zvishuvo zvavanotambura; munovakurudzira, uye munoteerera kuchema kwavo,

18 muchiruramisira nherera nevakamanikidzwa, kuti munhu wenyika, arege kuramba achingovhundutsa.

Mapisarema 11

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndinovanda muna Jehovha. Mungareva seiko kwandiri muchiti, “Tizira kugomo rako seshiri.

2 Nokuti tarira, vakaipa vanowembura uta hwavo; vanogadzirira miseve yavo parukungiso, kuti vapfure vari murima, uyo akarurama pamwoyo.

3 Kana nheyo dzaparadzwa, akarurama angaiteiko?”

4 Jehovha ari mutemberi yake tsvene; Jehovha ari pachigaro chake choushe chokudenga. Anocherechedza vanakomana vavanhu; meso ake anovaedza.

5 Jehovha anoedza vakarurama, asi vakaipa navanoda zvechisimba mweya wake unovavenga.

6 Pane vakaipa anonayisa mazimbe omoto nesafuri inopfuta; mhepo inopisa ndiwo uchava mugove wavo.

7 Nokuti Jehovha akarurama, anoda kururamisira; vanhu vakarurama vachaona chiso chake.

Mapisarema 12

Kumutungamiri wokuimba. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.

1 Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina; vakatendeka vapera pakati pavanhu.

2 Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema; miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera.

3 Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso, norurimi rumwe norumwe runozvikudza

4 ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu; miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?”

5 “Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simba nokugomera kwavarombo, ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.”

6 Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa, sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu, yakanatswa kanomwe.

7 Imi Jehovha, muchatichengeta murugare uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi.

8 Vakaipa vanofamba-famba vakasununguka kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu.

Mapisarema 13

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here? Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu?

2 Ndichaita mutsimba nepfungwa dzangu kusvikira riniko, uye ndine shungu mumwoyo mangu zuva rimwe nerimwe? Muvengi wangu achandikurira kusvikira riniko?

3 Tarirai kwandiri mugondipindura, imi Jehovha Mwari wangu. Vhenekerai meso angu, kana kuti ndichafa ndakarara;

4 muvengi wangu achati, “Ndamukurira ndamukunda,” uye vadzivisi vangu vachapembera kana ndawa.

5 Asi ini ndinovimba norudo rwenyu rusingaperi; mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu.

6 Ndichaimbira Jehovha, nokuti akandinakira.

Mapisarema 14

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Benzi rinoti mumwoyo maro, “Hakuna Mwari.” Vakaora, mabasa avo akashata; hakuna anoita zvakanaka.

2 Jehovha ari kudenga anotarira pasi pamusoro pavanakomana vavanhu, kuti aone kana aripo anonzwisisa, naani zvake anotsvaka Mwari.

3 Vose vakatsauka, vose pamwe chete vakasvibiswa; hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.

4 Ko, vaiti vezvakaipa havadzidziwo here, ivo vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa, uye vasingadani kuna Jehovha?

5 Pavari ipapo, vakazara nokutya, nokuti Mwari ari paungano yavakarurama.

6 Imi vaiti vezvakaipa, munokanganisa urongwa hwavarombo, asi Jehovha ndiye utiziro hwavo.

7 Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwaibuda muZioni! Kana Jehovha achidzosazve nhaka yavanhu vake, Jakobho ngaapembere uye Israeri ngaafare.

Mapisarema 15

Pisarema raDhavhidhi.

1 Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene?

2 Iye anofamba asina chaanopomerwa uye anoita zvakarurama, anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake,

3 uye asina makuhwa parurimi rwake, asingaitiri wokwake zvakaipa uye asingatuki waagere naye,

4 anozvidza munhu akaipa asi anokudza vaya vanotya Jehovha, anochengeta mhiko yake kunyange kana zvichirwadza,

5 anokweretesa mari yake asingarevi mhindu uye asingagamuchiri fufuro pamusoro pousina mhosva. Munhu anoita izvi haangatongozungunuswi.

Mapisarema 16

Mikitami raDhavhidhi.

1 Ndichengetei zvakanaka, imi Mwari, nokuti ndinovanda mamuri.

2 Ndakati kuna Jehovha, “Ndimi Ishe wangu; kunze kwenyu handina chinhu chakanaka.”

3 Kana vari vatsvene vari panyika, ndivo vakaisvonaka vandinofarira chose.

4 Kuchema kuchawedzerwa, kwaavo vanomhanyira vamwe vamwari. Handichazodiri zvipiriso zvavo zveropa zvinodururwa kana kuisa mazita avo pamiromo yangu.

5 Jehovha, makandigovera mugove wangu nomukombe wangu; mukaita kuti mugove wangu uchengetedzeke.

6 Ndakayererwa miganhu panzvimbo yakanaka; zvirokwazvo ndine nhaka inofadza.

7 Ndicharumbidza Jehovha, anondipa zano; kunyange usiku mwoyo wangu unondirayira.

8 Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose. Nokuti ari kurudyi rwangu, handingatongozungunuswi.

9 Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runopururudza; muviri wanguwo uchazorora zvakanaka,

10 nokuti imi hamuzondisiyi muguva, kana kurega Mutsvene wenyu achiona kuora.

11 Makandizivisa nzira youpenyu; muchandizadza nomufaro uri pamberi penyu, nezvinofadza zvisingaperi muruoko rwenyu rworudyi.

Mapisarema 17

Munyengetero waDhavhidhi.

1 Inzwai, imi Jehovha, mukumbiro wangu wakarurama; inzwai kuchema kwangu. Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, usingabvi pamiromo inonyengera.

2 Kururamiswa kwangu ngakubve kwamuri; meso enyu ngaaone zvakarurama.

3 Kunyange mukaedza mwoyo wangu nokundiongorora usiku, kunyange mukandiedza, hamungawani chinhu; ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kutadza.

4 Kana ari mabasa avanhu, neshoko remiromo yenyu, ndakanzvenga nzira dzouyo anoita nechisimba.

5 Nhambwe dzangu dzakarambira panzira dzenyu; tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.

6 Haiwa Mwari, ndinodana kwamuri, nokuti muchandipindura; rerekerai nzeve yenyu kwandiri, munzwe munyengetero wangu.

7 Ratidzai kushamisa kworudo rwenyu rukuru, imi munoponesa noruoko rwenyu rworudyi, avo vanovanda vavengi vavo mamuri.

8 Ndichengetei semboni yeziso renyu; ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu,

9 kubva kuno wakaipa anondirwisa, kubva kuvavengi vangu, vanoda kundiuraya, vakandikomberedza.

10 Vanodzivira mwoyo yavo yakavangarara, uye miromo yavo inotaura nokuzvikudza.

11 Vakandironda, zvino vandikomba, vanocherechedza nameso avo kuti vandiwisire pasi.

12 Vakaita seshumba ine nzara yechokudya, seshumba huru yakavandira pakavanda.

13 Haiwa, Jehovha, simukai, mirai pamberi pavo, vawisirei pasi; ndirwirei nomunondo wenyu pano wakaipa.

14 Haiwa, Jehovha, ndiponesei noruoko rwenyu kubva kuvanhu vakadai, kubva kuvanhu venyika ino vano mubayiro uri muupenyu huno. Munopedza nzara yaavo vamunoda; vanakomana vavo vane zvakawanda, uye vanounganidzira vana vavo pfuma.

15 Zvino ini mukururama, ndichaona chiso chenyu; pandinomuka, ndichagutswa nokuona mufananidzo wenyu.

Mapisarema 18

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. Akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva mumaoko avavengi vake vose nomuruoko rwaSauro. Akati:

1 Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu.

2 Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari. Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu.

3 Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.

4 Mabote orufu akandipinganidza; mvura zhinji inoparadza yakandifukidza.

5 Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakanangana neni.

6 Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake.

7 Nyika yakadedera ikadengenyeka, uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika;

8 Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akabuda mauri achipfuta.

9 Akatsemura matenga akauya pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.

10 Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka pamapapiro emhepo.

11 Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza, iwo makore matema emvura okudenga.

12 Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba, nechimvuramabwe nokupenya kwemheni.

13 Jehovha akatinhira kudenga; inzwi roWokumusoro-soro rikanzwika.

14 Akapfura miseve yake akaparadzira vavengi vake, kupenya kukuru kwemheni kukavavhundutsa.

15 Mipata yegungwa yakaiswa pachena, uye nheyo dzenyika dzakaiswa pachena pakutuka kwenyu, imi Jehovha, nokufema kwemhino dzenyu.

16 Akadzika pasi achibva kumusoro akanditora; akandibudisa pamvura zhinji yakadzika.

17 Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba, kubva kuvadzivisi vangu, vakanga vakasimba zvikuru kwandiri.

18 Vakandinanga nezuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.

19 Akandibudisa akandiisa panzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira.

20 Jehovha akandiitira zvakafanira kururama kwangu; nokuchena kwamaoko angu.

21 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita zvakaipa nokubva pana Mwari wangu.

22 Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka pazvirevo zvake.

23 Ndakanga ndisina chandingapomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndigare kure nechivi.

24 Jehovha akandipa mubayiro zvakaringana nokururama kwangu, zvakaringana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake.

25 Kuna vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kuna vasina chavangapomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,

26 kuna vakachena munoratidza kuchena kwenyu, asi kuna vakatsauka munoratidza hasha dzenyu.

27 Munoponesa vanozvininipisa, asi muchideredza vane meso anozvikudza.

28 Imi, iyemi Jehovha, munoita kuti mwenje wangu urambe uchipfuta; Mwari wangu anoshandura rima rangu richiva chiedza.

29 Norubatsiro rwenyu ndichaenda kundorwa hondo; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.

30 Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.

31 Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?

32 NdiMwari anondishongedza nesimba uye anokwanisa nzira yangu.

33 Anoita tsoka dzangu kuti dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.

34 Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira.

35 Munondipa nhoo yenyu yokukunda, uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira; munokotama pasi kuti mundiite mukuru.

36 Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka.

37 Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata; handina kudzokera shure kusvikira vaparadzwa.

38 Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka; vakawira pasi petsoka dzangu.

39 Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vapfugame patsoka dzangu.

40 Makaita kuti vavengi vangu vatize, uye ndakaparadza vavengi vangu.

41 Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna akavaponesa, kunyange kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.

42 Ndakavapura vakatsetseka seguruva ratakurwa nemhepo; ndakavadururira pasi sedope renzira dzomumusha.

43 Makandirwira pakurwisa kwavanhu; makandiita musoro wendudzi; vanhu vandakanga ndisingazivi vava varanda vangu.

44 Pavanongondinzwa, vanonditeerera; vatorwa vanokotama pamberi pangu.

45 Vose vanoora mwoyo; vanouya vachibva panhare dzavo vachidedera.

46 Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe! Ngaakudzwe Mwari Muponesi wangu!

47 Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu,

48 anondiponesa pavavengi vangu. Makandisimudzira pamusoro pavavengi vangu. Makandinunura kubva kuvanhu vechisimba.

49 Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pendudzi, imi Jehovha; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza.

50 Anopa mambo wake kukunda kukuru; anoratidza unyoro hwake husingaperi kumuzodziwa wake, kuna Dhavhidhi nokuvana vake nokusingaperi.

Mapisarema 19

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Matenga anotaura kubwinya kwaMwari; matenga anoparidza mabasa amaoko ake.

2 Zuva nezuva anotaura; usiku nousiku anoratidza zivo.

3 Hakuna mutauro kana rurimi kusinganzwiki inzwi ravo.

4 Inzwi razvo rinosvika panyika yose, mashoko azvo kumagumo apasi. Mumatenga imomo, akadzika tende rezuva,

5 rakaita sechikomba chinobuda mumba, seshasha inopemberera kumhanya nhangemutange.

6 Rinobuda kuno rumwe rutivi rwedenga richitenderera kusvikira kuno rumwe rutivi; hakuna chinhu chakavanzika kubva pakupisa kwaro.

7 Murayiro waJehovha wakakwana, unomutsiridza mweya. Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika, zvinopa njere kuna vasina mano.

8 Zvirevo zvaJehovha zvakarurama, zvinopa mufaro kumwoyo. Murayiro waJehovha unopenya, unopa chiedza kumaziso.

9 Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi. Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi uye zvose zvakarurama.

10 Zvinokosha kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa; zvinotapira kupfuura uchi, kupinda uchi hwabva muzinga.

11 Muranda wenyu anoyambirwa nazvo; pakuzvichengeta pano mubayiro mukuru.

12 Ndianiko angaziva kukanganisa kwake? Ndikanganwirei mhosva dzangu dzakavanzika.

13 Dzorai muranda wenyu kubva pakutadza nobwoni; ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu. Ipapo handizovi nemhosva, ndisina mhaka yokudarika kukuru.

14 Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.