Mapisarema 40

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu; iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu.

2 Akandibudisa mugomba rakadzika, kunze kwamatope netsvina; akamisa tsoka dzangu padombo akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo.

3 Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwiyo rwokurumbidza Mwari wedu. Vazhinji vachaona, uye vachatya uye vachaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha.

4 Akaropafadzwa munhu akaita Jehovha chivimbo chake, asingatariri kuna vanozvikudza, kuna avo vanotsaukira kuna vamwari venhema.

5 Haiwa Jehovha, Mwari wangu, zvizhinji zvishamiso zvamakaita. Zvinhu zvamakatitongera hakuna angazvirondedzera kwamuri; dai ndingataura nokureva pamusoro pazvo, zvaizowandisa kuzvizivisa.

6 Hamuna kufarira zvibayiro nezvipo, asi nzeve dzangu makadziboora; zvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvireva.

7 Ipapo ndakati, “Ndiri pano hangu, ndauya, zvakanyorwa mubhuku pamusoro pangu.

8 Ndinofarira kuita kuda kwenyu, imi Mwari wangu; murayiro wenyu uri mukati momwoyo wangu.”

9 Ndinoparidza kururama paungano huru; handidziviri miromo yangu, sokuziva kwenyu, imi Jehovha.

10 Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu; ndinotaura nezvokutendeka kwenyu noruponeso rwenyu. Handivanzi rudo rwenyu nechokwadi chenyu paungano huru.

11 Regai kundinyima ngoni dzenyu, imi Jehovha; rudo rwenyu nechokwadi chenyu ngazvindidzivirire nguva dzose.

12 Nokuti matambudziko asingaverengeki akandikomberedza; zvivi zvangu zvakandibata, uye handigoni kuona. Zvakawanda kupfuura bvudzi romumusoro mangu, uye mwoyo wangu waneta mukati mangu.

13 Haiwa Jehovha, kundiponesa ngakukufadzei; haiwa Jehovha, kurumidzai kundibatsira.

14 Vose vanotsvaka kutora upenyu hwangu ngavanyadziswe uye vanyonganiswe; vose vanoda kuparadzwa kwangu ngavadzoserwe shure vanyadziswe.

15 Avo vose vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!” ngavavhundutswe nokuda kwenyadzi dzavo.

16 Asi vose vanokutsvakai ngavafare uye vafarisise mamuri; avo vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe!”

17 Asi ndiri murombo nomushayiwi; dai Ishe vandifungawo. Ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu; haiwa Mwari wangu, musanonoka henyu.

Mapisarema 41

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba; Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika.

2 Jehovha achamudzivirira uye achachengetedza upenyu hwake; achamuropafadza panyika uye haangamuisi kuchido chavavengi vake.

3 Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere uye achamuponesa panhoo yake yourwere.

4 Ini ndakati, “Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni; ndiporesei, nokuti ndakakutadzirai.”

5 Vavengi vangu vachindigodora vanoti, “Achafa riniko uye zita rake rigoparara?”

6 Kana mumwe achiuya kuzondiona, anotaura zvenhema, mwoyo uchiunganidza makuhwa; ipapo anobuda ondozviparadzira kumwe.

7 Vavengi vangu vose vanoita zevezeve pamwe chete pamusoro pangu; vanondifungira zvakaipisisa, vachiti,

8 “Chirwere chakaipa chakamubata, haachambomukizve panzvimbo paakarara.”

9 Kunyange neshamwari yangu yapedyo yandaivimba nayo, yandaigovana zvokudya nayo, yandisimudzira chitsitsinho chayo.

10 Asi imi, iyemi Jehovha, mune tsitsi neni, ndisimudzei, kuti ndivatsive.

11 Ndinoziva kuti munofadzwa neni, nokuti muvengi wangu haandikundi.

12 Munonditsigira pakutendeka kwangu, uye munondiisa pamberi penyu nokusingaperi.

13 Kurumbidzwa ngakuve kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira nokusingaperi. Ameni naAmeni.

Mapisarema 42

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaVanakomana vaKora.

1 Senondo inotakwairira hova dzemvura, saizvozvo mweya wangu unokutakwairirai, imi Mwari.

2 Mweya wangu une nyota kuna Mwari, nyota yaMwari mupenyu. Ndingaenda riniko kundosangana naMwari?

3 Misodzi yangu yanga iri zvokudya zvangu masikati nousiku, asi zuva rose vanhu vanoti kwandiri, “Mwari wako aripiko?”

4 Ndinorangarira zvinhu izvi pandinodurura mweya wangu, mafambiro andaiita navazhinji ndichitungamirira mudungwe wavanhu kuimba yaMwari, nokupembera nomufaro uye nokuvonga pakati pavazhinji pamutambo.

5 Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve, Muponesi wangu naMwari wangu.

6 Mweya wangu wakaneta mukati mangu; naizvozvo ndichakurangarirai ndiri kunyika yeJorodhani, pamatunhu akakwirira eHeremoni, kubva paGomo reMizari.

7 Pakadzika panodana pakadzika mukutinhira kwamapopopo emvura; mafungu enyu ose namapoporodzi akapfuura napamusoro pangu.

8 Masikati, Jehovha anorayira rudo rwake, pausiku rwiyo rwake runeni, munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu.

9 Ndinoti kuna Mwari Dombo rangu, “Mandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema ndakadzvinyirirwa nomuvengi?”

10 Mapfupa angu atambura nokurwadza kworufu, sezvo vavengi vangu vachindizvidza zuva rose vachiti kwandiri, “Mwari wako aripiko?”

11 Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve. Muponesi wangu naMwari wangu.

Mapisarema 43

1 Ndiruramisirei, imi Mwari, uye mundireverere mhaka yangu parudzi rusina Mwari; ndinunurei pavanhu vanonyengera navakaipa.

2 Ndimi Mwari nhare yangu. Mandirambireiko? Ndinofambireiko pose ndichichema ndichidzvinyirirwa navavengi?

3 Tumirai chiedza chenyu nechokwadi chenyu, ngazvinditungamirire; ngazvindisvitse kugomo renyu dzvene, kunzvimbo yamunogara.

4 Ipapo ndichaenda kuaritari yaMwari, kuna Mwari, iye mufaro wangu nomudikani wangu. Ndichakurumbidzai nembira, imi Mwari, Mwari wangu.

5 Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve, Muponesi wangu naMwari wangu.

Mapisarema 44

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri.

1 Haiwa Mwari, takanzwa nenzeve dzedu; madzibaba edu akatiudza zvamakaita pamazuva avo, pamazuva ekare.

2 Noruoko rwenyu makadzinga ndudzi uye mukasima madzibaba edu; makapwanya marudzi mukaita kuti madzibaba edu abudirire.

3 Havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, uye ruoko rwavo haruna kuvakundisa; rwakanga rwuri ruoko rwenyu rworudyi, irwo ruoko rwenyu, nokupenya kwechiso chenyu, nokuti imi makavada.

4 Ndimi Mambo wangu naMwari wangu, anorayira kukunda kwaJakobho.

5 Kubudikidza nemi, tinosunda vavengi vedu shure; kubudikidza nezita renyu, tinotsika vavengi vedu netsoka dzedu.

6 Handivimbi nouta hwangu, munondo wangu haundivigiri kukunda;

7 asi imi munotipa kukunda pamusoro pavavengi vedu, munonyadzisa vadzivisi vedu.

8 Tinozvirumbidza muna Mwari zuva rose, uye ticharumbidza zita renyu nokusingaperi.Sera

9 Asi zvino matiramba uye matininipisa; hamuchabudi nehondo dzedu.

10 Makaita kuti tidududze pamberi pavavengi vedu, uye vadzivisi vedu vakatipamba.

11 Makatiramwira kumudyi samakwai uye makatiparadzira pakati pendudzi.

12 Makatengesa vanhu venyu pasina, hamuna kuwana kana chinhu pakuvatengesa.

13 Makatiita chiseko kuvavakidzani vedu, chinozvidzwa nechinosekwa chaavo vakatipoteredza.

14 Makatiita tsumo pakati pendudzi; vanhu vanotidzungudzira misoro.

15 Kunyadziswa kwangu kuri pamberi pangu zuva rose, uye chiso changu chafukidzwa nenyadzi

16 pakuseka kwaavo vanondizvidza nokundirwisa, nokuda kwomuvengi, agarira kutsiva.

17 Zvose izvi zvakaitika kwatiri kunyange takanga tisina kukukanganwai, kana kuva vasina kutendeka kusungano yenyu.

18 Mwoyo yedu yakanga isati yafuratira; tsoka dzedu dzakanga dzisati dzatsauka panzira yenyu.

19 Asi makatipwanya mukatiita nzvimbo yamakava uye mukatifukidza nerima guru.

20 Dai takanga takanganwa zita raMwari wedu, kana kutambanudzira maoko edu kuna mwari wavatorwa,

21 Mwari haaizviziva here, sezvo achiziva zvakavanzika zvomwoyo?

22 Asi nokuda kwenyu takatarisana norufu zuva rose; tinotorwa samakwai anobayiwa.

23 Mukai, imi Ishe! Munovatireiko? Zvisimudzei! Regai kutiramba nokusingaperi.

24 Ko, munovanzirei chiso chenyu muchikanganwa kutambudzika nokudzvinyirirwa kwedu?

25 Takawisirwa muguruva; miviri yedu inonamatira pavhu.

26 Simukai mutibatsire; tidzikinurei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

Mapisarema 45

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri nomuimbirwo wa “Maruva aMahapa.” Rwiyo rwoMuchato.

1 Mwoyo wangu unobvongodzwa nedingindira rakanaka, pandinodetembera mambo ndima dzangu; rurimi rwangu chinyoreso chomunyori anogona.

2 Imi makanakisisa pavanhu vose uye miromo yenyu yakazadzwa nenyasha, sezvo Mwari akakuropafadzai nokusingaperi.

3 Sungai munondo wenyu parutivi, imi wamasimba, zvishongedzei nokubwinya noumambo.

4 Paumambo hwenyu kwirai mukunde kwazvo, makamirira chokwadi, kuzvininipisa nokururama; ruoko rwenyu rworudyi ngaruratidze mabasa enyu anotyisa.

5 Miseve yenyu inopinza ngaibaye mwoyo yavavengi vamambo; ndudzi ngadziputsikire pasi petsoka dzenyu.

6 Chigaro chenyu, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri; tsvimbo yokururamisira ichava tsvimbo youmambo hwenyu.

7 Imi munoda kururama uye munovenga zvakaipa; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta omufaro.

8 Nguo dzenyu dzose dzinonhuwirira mura, arosi nekasia, zvinobva kumizinda yamadzimambo yakashongedzwa nenyanga dzenzou, kurira kwehungiso kunokufadzai.

9 Vanasikana vamadzimambo vari pakati pavakadzi vanokudzwa; kuruoko rwenyu rworudyi kuno mwenga akashongedzwa negoridhe reOfiri.

10 Teerera, iwe mwanasikana, rangarira, uye urereke nzeve yako: Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako.

11 Mambo ayevedzwa norunako rwako; mukudze, nokuti ndiye Ishe wako.

12 Mwanasikana weTire achauya nechipo, vanhu vakapfuma vachatsvaka nyasha kwauri.

13 Mwanasikana wamambo akanaka kwazvo mukati meimba yake; nguo yake yakarukirirwa negoridhe.

14 Akapfeka nguo dzakashongedzwa achaperekedzwa kuna mambo; shamwari dzake idzo mhandara dzinomutevera uye vanouyiswa kwamuri.

15 Vanoperekedzwa vachapinda nomufaro nokufarisisa; vanopinda mumuzinda wamambo.

16 Vanakomana venyu vachatsiva nzvimbo yamadzibaba enyu; muchavaita machinda panyika yose.

17 Ndichaita kuti kurangarirwa kwenyu kurambe kuripo, kusvikira kumarudzi ose; naizvozvo ndudzi dzichakurumbidzai nokusingaperi-peri.

Mapisarema 46

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Namaimbirwo earamoti. Rwiyo.

1 Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.

2 Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka, uye makomo akawira mukatikati megungwa,

3 kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo, uye makomo akadengenyeswa namafungu aro.Sera

4 Pane rwizi ruripo rune hova dzinofadza guta raMwari, nzvimbo tsvene yoWokumusoro-soro.

5 Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi; Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.

6 Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka; anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka.

7 Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu.Sera

8 Uyai muone mabasa aJehovha, kuparadza kwaakaita panyika.

9 Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika; anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo, anopisa nhoo nomoto.

10 “Nyararai, uye muzive kuti ndini Mwari; ndichakudzwa pakati pendudzi, ndichasimudzirwa panyika.”

11 Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu.Sera

Mapisarema 47

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema.

1 Uchirai maoko, imi vanhu vose; pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro.

2 Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei, iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose!

3 Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu, marudzi pasi petsoka dzedu.

4 Akatitsaurira nhaka yedu, iyo pfuma yaJakobho, waakada.Sera

5 Mwari akakwira pakati pokudanidzira kwomufaro, Jehovha pakati pokurira kwehwamanda.

6 Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo. Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.

7 Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose; muimbirei pisarema rokurumbidza.

8 Mwari anotonga pamusoro pendudzi dzose; Mwari agere pamusoro pechigaro chake chitsvene.

9 Makurukota amarudzi aungana savanhu vaMwari waAbhurahama, nokuti madzimambo enyika ndeaMwari; iye anokudzwa zvikuru kwazvo.

Mapisarema 48

Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora.

1 Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo, muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.

2 Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose. Sokumusoro-soro kweZafoni, ndizvo zvakaita Gomo reZioni, guta raMambo Mukuru.

3 Mwari ari munhare dzaro; akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro.

4 Madzimambo akati abatanidza mauto, vakati vafamba pamwe chete kundorwa,

5 vakariona vakashamiswa; vakatiza nokutya.

6 Vakabatwa nokudedera ipapo, nokurwadziwa sokwomukadzi wosununguka.

7 Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi, zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva.

8 Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona, muguta raJehovha Wamasimba Ose, muguta raMwari wedu: Mwari anorisimbisa nokusingaperi.Sera

9 Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari, tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi.

10 Sezvakaita zita renyu, imi Mwari, kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika; ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.

11 Gomo reZioni rinofara, misha yeJudha inofarisisa nokuda kwokutonga kwenyu.

12 Famba-fambai muZioni, ripoteredzei, verengai shongwe dzaro,

13 fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro, cherechedzai nhare dzaro, kuti mugotaura nezvazvo kurudzi runotevera.

14 Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.

Mapisarema 49

Kumutungamiri wokuimba, waVanakomana vaKora. Pisarema.

1 Inzwai izvi, imi vanhu mose; teererai imi mose mugere panyika,

2 vapasi navapamusoro, vapfumi navarombo pamwe chete.

3 Muromo wangu uchataura nouchenjeri; kutaura kunobva pamwoyo wangu kuchapa kunzwisisa.

4 Ndicharerekera nzeve yangu kuchirevo; nembira ndichadudzira shoko rangu rakavanzika.

5 Ndinotyireiko kana mazuva akaipa achiuya, kana vanyengeri vakaipa vandikomberedza,

6 vaya vanovimba nepfuma yavo vanozvikudza nepfuma yavo zhinji?

7 Hakuna munhu angadzikinura upenyu hwomumwe kana kupa Mwari rudzikinuro rwake,

8 rudzikinuro rwoupenyu runokosha, hakuna muripo unoringana nahwo,

9 kuti ararame nokusingaperi uye kuti asaona kuora.

10 Nokuti vose vanogona kuona kuti vanhu vakachenjera vanofa; mapenzi navasina pfungwa zvimwe chetezvo vanofa, uye vanosiyira vamwe pfuma yavo.

11 Marinda avo achagara ari dzimba dzavo nokusingaperi, nougaro hwavo kusvikira kumarudzi asingaperi, kunyange vakanga vakapa nyika mazita avo.

12 Asi munhu, kunyange ane pfuma yake, haagari; akafanana nemhuka dzinofa.

13 Ndiwo magumo aivavo vanovimba nezvavanoita, namagumo avateveri vavo, vanotenda zvavanotaura.Sera

14 Samakwai vakatarirwa kuenda kuguva, uye rufu ruchavadya. Vakarurama vachavatonga mangwanani; chimiro chavo chichaora murinda, kure nedzimba dzavo dzoumambo.

15 Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva, zvirokwazvo achanditora iye.Sera

16 Usanyanya kutya kana munhu apfuma, kana kubwinya kweimba yake kwawedzerwa;

17 nokuti haana chaachatora paanofa; kubwinya kwake hakungaburukiri naye murinda.

18 Kunyange paairarama aizviti akaropafadzwa, uye vanhu vachirumbidza munhu paanobudirira,

19 achabatana norudzi rwamadzibaba ake, vasingazoonizve chiedza choupenyu.

20 Munhu ane pfuma zhinji asinganzwisisi akaita semhuka dzinofa.