Mirayiro yaMararamiro Matsvene 1 Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari. 2 Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika. 3 Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa zvino naKristu muna Mwari. 4 Panoonekwa Kristu, iye upenyu hwenyu, ipapo nemiwo muchaonekwa pamwe chete naye […]
Author Archives: admin
VaKorose 4
1 Vatenzi, ipai varanda venyu zvinhu zvakanaka uye zvakaenzana, nokuti munozviziva kuti nemiwo muna vaTenzi kudenga. Kumwe Kurayira 2 Muzvipire pakunyengetera, makanyatsorinda uye muchivonga. 3 Uye mutinyengetererewo kuti Mwari azarure mukova weshoko redu, kuitira kuti tigoparidza chakavanzika chaKristu, icho chandakasungirwa. 4 Nyengeterai kuti ndigone kuparidza zvakajeka, sezvandinofanira. 5 Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze; […]
VaFiripi 1
1 Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, Kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe chete navatariri navadhikoni vekereke: 2 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu. Kuvonga noKunyengetera 3 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai. 4 Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro 5 nokuda kwokunzwanana kwenyu muvhangeri kubvira pazuva […]
VaFiripi 2
Kutevedzera Kuzvininipisa kwaKristu 1 Kana muine kurudziro inobva pakubata naKristu, kana paine kunyaradza kunobva parudo rwake, kana pano kuwadzana noMweya, kana paino unyoro netsitsi, 2 ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa. 3 Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari […]
VaFiripi 3
Kusavimba neNyama 1 Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna She! Harisi dambudziko kwandiri kuti ndinyore zvinhu zvimwe chetezvo zvakare kwamuri, uye zvinokuchengetedzai imi. 2 Chenjererai imbwa dziya, vanhu vanoita zvakaipa, vaya vokucheka nyama. 3 Nokuti tisu vokudzingiswa, tisu tinonamata noMweya waMwari, vanozvirumbidza muna Kristu Jesu, uye vasingavimbi nenyama, 4 kunyange zvangu ini ndine chikonzero chokuvimba kwakadaro. […]
VaFiripi 4
1 Naizvozvo, hama dzangu, iyemi vandinoda uye vandinoshuva, mufaro wangu nekorona yangu, ndiko kuti mumire nesimba muna She, hama dzinodiwa! Kurudziro 2 Ndinokumbira zvikuru kuna Yudhia uyewo ndinokumbira zvikuru Sindike kuti vatenderane muna She. 3 Hongu, uye ndinokukumbira iwe wakatendeka musungwa pamwe chete neni pajoko, batsira vakadzi ava vakarwa pamwe chete neni mubasa revhangeri, pamwe […]
VaEfeso 1
1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, Kuvatsvene vari muEfeso, vakatendeka muna Kristu Jesu: 2 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri. Maropafadzo oMweya muna Kristu 3 Kurumbidza ngakuve kuna Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu. 4 Nokuti akatisarudza maari […]
VaEfeso 2
Takaitwa vapenyu muna Kristu 1 Kana muri imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi, 2 izvo zvamaigara mazviri pamaitevera nzira dzenyika ino uye nedzomutongi woushe hwomuchadenga, iwo mweya unoshanda zvino muna avo vasingateereri. 3 Isu tose taigara pakati pavo pane imwe nguva, tichikudza kuchiva kwenyama yedu yezvivi uye tichitevera zvido zvedu nezvataifunga. Sezvakangoita vamwe vose, pakuzvarwa […]
VaEfeso 3
Pauro Muparidzi kuvaHedheni 1 Nokuda kwaizvozvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu imi vaHedheni: 2 Zvirokwazvo makanzwa zvokugoverwa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri nokuda kwenyu, 3 kuti chakavanzika chakaziviswa kwandiri nokuzarurirwa, sezvandakatonyora zvishoma. 4 Mukuverenga izvi, ipapo muchagona kunzwisisa kuziva kwangu muchakavanzika chaKristu, 5 chisina kuziviswa kuvanhu kana mamwe marudzi sezvachakaratidzwa zvino noMweya kuvapostori navaprofita […]
VaEfeso 4
Kubatana muMuviri waKristu 1 Sezvo ndiri musungwa waShe, zvino ndinokukurudzirai kuti murarame upenyu hwakafanira kudanwa kwamakagamuchira. 2 Muzvininipise zvachose uye mupfave; muite mwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo. 3 Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare. 4 Pano muviri mumwe noMweya mumwe, sezvo makadanirwa kutariro imwe chete pamakadanwa, 5 Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhabhatidzo rumwe; […]