Mapisarema 31

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; itai kuti ndisatombonyadziswa; ndirwirei mukururama kwenyu. 2 Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, kurumidzai kundinunura; ivai dombo rangu rokuvanda, nhare yakasimba inondiponesa. 3 Sezvo murimi dombo rangu nenhare yangu, nditungamirirei uye mundisesedze nokuda kwezita renyu. 4 Ndisunungurei pamusungo wandakadzikirwa, nokuti imi muri utiziro hwangu. 5 Ndinoisa mweya wangu […]

Mapisarema 32

Pisarema raDhavhidhi neMasikiri. 1 Akaropafadzwa uyo akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake. 2 Akaropafadzwa munhu asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha, uye asina kunyengera mumwoyo make. 3 Pandakanyarara, mapfupa angu akarukutika nokuda kwokugomera kwangu zuva rose. 4 Nokuti masikati nousiku ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu; simba rangu rakasvetwa sezvinoita kupisa kwechirimo.Sera 5 Ipapo ndakazivisa chivi changu […]

Mapisarema 33

1 Imbirai Jehovha, mufarisise, imi vakarurama; zvakanaka kuti vakarurama vamurumbidze. 2 Rumbidzai Jehovha nembira; muimbirei nziyo nomutengeranwa une hungiso gumi. 3 Muimbirei rwiyo rutsva; muridze zvakanaka, mugopururudza nomufaro. 4 Nokuti shoko raJehovha rakarurama uye nderechokwadi; iye akatendeka pane zvose zvaanoita. 5 Jehovha anoda kururama nokururamisira; nyika izere norudo rwake rusingaperi. 6 Kudenga denga kwakaitwa neshoko […]

Mapisarema 34

Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake. 1 Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu. 2 Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare. 3 Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete. 4 Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose. 5 Vanotarira kwaari vanopenya; […]

Mapisarema 35

Pisarema raDhavhidhi. 1 Haiwa Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; rwisai avo vanondirwisa. 2 Torai nhoo huru neduku; simukai, uye uyai mundibatsire. 3 Vheyesai pfumo guru nepfumo diki murwise avo vanonditevera. Muti kumweya wangu, “Ndini ruponeso rwako.” 4 Vanotsvaka kundiuraya ngavazvidzwe uye vanyadziswe; vanorangana kuparadzwa kwangu ngavadzoserwe shure vachitya. 5 Ngavaite sehundi pamberi pemhepo, mutumwa waJehovha achivasundira […]

Mapisarema 36

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. 1 Shoko riri mumwoyo mangu pamusoro pokutadza kwavakaipa rinoti: Hakuna kutya Mwari pamberi pake. 2 Pamaonero ake anozvirumbidza, nokuti anozvibata kumeso kwazvo pakuona kwake, zvokuti anotadza kuona kana kuvenga chivi chake. 3 Mashoko omuromo wake akaipa uye anonyengera; haachisiri munhu akachenjera kana anoita zvakanaka. 4 Kunyange panhoo yake anofunga […]

Mapisarema 37

Pisarema raDhavhidhi. 1 Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa; 2 nokuti souswa vachaoma nokukurumidza, somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma. 3 Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro. 4 Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako. 5 Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi; […]

Mapisarema 38

Pisarema raDhavhidhi. Chikumbiro. 1 Haiwa Jehovha, musandirayira mukutsamwa kwenyu kana kundiranga muhasha dzenyu. 2 Nokuti miseve yenyu yandibaya, uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu. 3 Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda kwehasha dzenyu; mapfupa angu apera simba nokuda kwechivi changu. 4 Mhosva yangu yandiremera somutoro unorema kwazvo kuutakura. 5 Maronda angu aora uye anosemesa nokuda kwoupenzi […]

Mapisarema 39

Kumutungamiri wokuimba kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndakati, “Ndichangwarira nzira dzangu nokuchengeta rurimi rwangu pachivi; ndichaisa matomu pamuromo wangu kana vakaipa vari pamberi pangu.” 2 Asi pandakanga ndinyerere uye ndakadzikama, ndisingatauri kana chakanaka zvacho, kurwadziwa kwangu kwakawedzerwa. 3 Mwoyo wangu wakapisa mukati mangu, uye pandakafungisisa, moto ukapisa; ipapo ndakataura norurimi rwangu ndikati: 4 “Ndiratidzei, imi […]

Mapisarema 40

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu; iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu. 2 Akandibudisa mugomba rakadzika, kunze kwamatope netsvina; akamisa tsoka dzangu padombo akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo. 3 Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwiyo rwokurumbidza Mwari wedu. Vazhinji vachaona, uye vachatya uye vachaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha. 4 Akaropafadzwa munhu akaita […]