Mapisarema 130

Rwiyo rworwendo.

1 Ndakadanidzira kwamuri Jehovha, ndiri pakadzika;

2 haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu. Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni.

3 Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvangu, haiwa Jehovha, ndianiko aimira?

4 Asi kukanganwira kuri kwamuri; naizvozvo imi munotyiwa.

5 Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira, uye tariro yangu iri mushoko rake.

6 Mweya wangu unorindira Ishe kupfuura varindi vanomirira rungwanani.

7 Haiwa Israeri, isa tariro yako pana Jehovha, nokuti Jehovha ane rudo rusingaperi uye kwaari kune dzikinuro izere.

8 Uye achadzikinura Israeri kubva pazvivi zvavo zvose.

Mapisarema 131

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi, meso angu haana manyawi; handina hanya nezvinhu zvikuru kana zvinhu zvinonyanya kushamisa.

2 Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya wangu; somwana akarumurwa namai vake, somwana akarumurwa, ndizvo zvakaita mweya wangu mandiri.

3 Haiwa Israeri, isai tariro yenyu pana Jehovha, kubva zvino nokusingaperi.

Mapisarema 132

Rwiyo rworwendo.

1 Haiwa Jehovha, rangarirai Dhavhidhi namatambudziko ake ose aakakunda.

2 Akapika mhiko kuna Jehovha, akaita mhiko kuna Wamasimba waJakobho achiti,

3 “Handingapindi mumba mangu kana kuenda kundovata pamubhedha wangu,

4 handingatenderi hope mumaziso angu, kana kutsumwaira mumeso angu,

5 kusvikira ndawana nzvimbo yaJehovha, nzvimbo yokugara yoWamasimba waJakobho.”

6 Takazvinzwa muEfurata, takasangana nazvo muminda yeJaari tikati,

7 “Ngatiendei kunzvimbo yake yokugara; ngatinamatei pachitsiko chetsoka dzake,

8 haiwa Jehovha, simukai muuye kunzvimbo yenyu yokuzorora, imi neareka yesimba renyu.

9 Vaprista venyu dai vafukidzwa nokururama; dai vatsvene venyu vaimba nomufaro.”

10 Nokuda kwaDhavhidhi muranda wenyu, musaramba muzodziwa wenyu.

11 Jehovha akapika mhiko kuna Dhavhidhi, mhiko yechokwadi yaasingagoni kushandura achiti, “Mumwe wechizvarwa chako ndichamugadza pachigaro chako choushe,

12 kana vanakomana vako vakachengeta sungano yangu nezvandakatema zvandakavadzidzisa, ipapo vanakomana vavo vachagara pachigaro chako choushe nokusingaperi-peri.”

13 Nokuti Jehovha akasarudza Zioni, akarida kuti huve ugaro hwake achiti,

14 “Iyi ndiyo nzvimbo yangu yokuzorora nokusingaperi-peri; ipapa ndipo pandichagara samambo, nokuti ndakapada,

15 ndichariropafadza nezvakawanda; ndichagutsa varombo varo nezvokudya.

16 Ndichafukidza vaprista varo noruponeso, uye vatsvene varo vachagara vachiimba nomufaro.

17 “Pano ndipo pandichameresa nyanga yaDhavhidhi, uye ndichatungidza mwenje womuzodziwa wangu.

18 Ndichafukidza vavengi vake nenyadzi, asi korona yake ichabwinya kwazvo.”

Mapisarema 133

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1 Zvakanaka uye zvinofadza sei kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!

2 Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro, anoerera kundebvu, anoerera kundebvu dzaAroni, anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake.

3 Zvinoita sokuti dova reHerimoni riri kuwira pamusoro peGomo reZioni. Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha, ihwo upenyu husingaperi-peri.

Mapisarema 135

1 Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai zita raJehovha; murumbidzei, imi varanda vaJehovha,

2 imi munoshumira muimba yaJehovha, muvanze dzeimba yaMwari wedu.

3 Rumbidzai Jehovha, nokuti Jehovha akanaka; imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, nokuti ndizvo zvakanaka.

4 Nokuti Jehovha akasarudza Jakobho kuti ave wake, naIsraeri kuti ave pfuma yake.

5 Ndinoziva kuti Jehovha mukuru, uye kuti Ishe wedu mukuru kupfuura vamwari vose.

6 Jehovha anoita zvose zvinomufadza, kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose.

7 Anoita kuti makore akwire kubva kumagumo enyika; anotumira mheni nemvura, uye anobudisa mhepo kubva mumatura ake.

8 Ndiye akaparadza matangwe eIjipiti, matangwe avanhu neemhuka.

9 Akatumira zviratidzo nezvishamiso zvake mukati mako, iwe Ijipiti, pamusoro paFaro navaranda vake vose.

10 Akaparadza ndudzi dzakawanda uye akauraya madzimambo ane simba,

11 Sihoni mambo weAmori, Ogi mambo weBhashani namadzimambo ose eKenani,

12 akapa nyika yavo kuti ive nhaka, nhaka yavanhu vake Israeri.

13 Haiwa Jehovha, zita renyu rinogara nokusingaperi, mukurumbira wenyu, imi Jehovha, kumarudzi namarudzi.

14 Nokuti Jehovha achapupurira vanhu vake uye achava nenyasha pamusoro pavaranda vake.

15 Zvifananidzo zvendudzi isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu.

16 Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona;

17 nenzeve, asi hazvigoni kunzwa, uye hamuna kufema mumuromo mazvo.

18 Vaya vanozviita vachafanana nazvo, saizvozvowo, naivo vanovimba nazvo.

19 Haiwa imi imba yaIsraeri, rumbidzai Jehovha; haiwa imba yaAroni, rumbidzai Jehovha;

20 Haiwa imi imba yaRevhi, rumbidzai Jehovha; imi vanomutya, rumbidzai Jehovha.

21 Jehovha ngaarumbidzwe kubva kuZioni, iye agere muJerusarema. Rumbidzai Jehovha.

Mapisarema 136

1 Vongai Jehovha, nokuti akanaka: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

2 Vongai Mwari wavamwari: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

3 Vongai Ishe wamadzishe: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

4 iye oga anoita zvinoshamisa zvikuru, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

5 iye akaita matenga nokunzwisisa kwake, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

6 iye akatambanudza nyika pamusoro pemvura zhinji, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

7 iye akaita zviedza zvikuru, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

8 zuva kuti ribate ushe masikati, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

9 mwedzi nenyeredzi kuti zvibate ushe usiku, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

10 iye akarova matangwe eIjipiti, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

11 uye akabudisa Israeri kubva pakati pavo, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

12 noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

13 iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

14 uye akayambutsa Israeri nomukati maro, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

15 asi akakukura Faro nehondo yake muGungwa Dzvuku, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

16 iye akatungamirira vanhu vake nomugwenga, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

17 akarova madzimambo makuru, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

18 uye akauraya madzimambo ane simba, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

19 Sihoni mambo wavaAmori, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

20 naOgi mambo weBhashani, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

21 akavapa nyika yavo senhaka, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

22 nhaka kumuranda wake Israeri, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

23 iye akatirangarira paurombo hwedu, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

24 uye akatisunungura kubva pavavengi vedu, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

25 uye anopa zvokudya kuzvisikwa zvose, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

26 Vongai Mwari wokudenga, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

Mapisarema 137

1 Panzizi dzeBhabhironi takagarapo tikachema, patakarangarira Zioni.

2 Pamikonachando apo ndipo patakaturika mbira dzedu,

3 nokuti ipapo avo vakatitapa vakatikumbira nziyo, vatambudzi vedu vakatigombedzera kuti tiimbe nziyo dzomufaro, vakati, “Tiimbirei rumwe rwiyo rweZioni!”

4 Tingaimba seiko nziyo dzaJehovha tiri munyika yokumwe?

5 Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusarema, ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo.

6 Rurimi rwangu ngarunamatire kumusoro kwomuromo wangu, kana ndikasakurangarira iwe, kana ndisingafungi Jerusarema, iwo mufaro wangu wapamusoro-soro.

7 Haiwa Jehovha, rangarirai henyu zvakaitwa navaEdhomu, pazuva rakawa Jerusarema. Vakati, “Rikoromorei! Rikoromorei kusvikira panheyo dzaro!”

8 Haiwa Mwanasikana weBhabhironi, watongerwa kuparadzwa, achafara munhu uyo achatsiva kwauri zvawakaita kwatiri,

9 iye achatora pwere dzako agodzirovera pamatombo.

Mapisarema 138

Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai pamberi pa“vamwari.”

2 Ndichakotamira pasi ndakatarisa kutemberi yenyu tsvene, uye ndicharumbidza zita renyu nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu, nokuti makakudza zita renyu neshoko renyu pamusoro pezvinhu zvose.

3 Pandakadana, imi makandipindura; makandishingisa nomwoyo wakasimba.

4 Madzimambo ose enyika ngaakurumbidzei, imi Jehovha, pavanonzwa mashoko omuromo wenyu.

5 Ngavaimbe pamusoro penzira dzaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru.

6 Kunyange Jehovha ari kumusoro, anoona vanozvininipisa, asi vanozvikudza anovaziva vari kure.

7 Kunyange ndikafamba pakati penhamo, munochengetedza upenyu hwangu; munotambanudza ruoko rwenyu pamusoro pehasha dzavavengi vangu, munondiponesa noruoko rwenyu rworudyi.

8 Jehovha achazadzisa zvirongwa zvake neni; rudo rwenyu, imi Jehovha, runogara nokusingaperi, musasiya mabasa amaoko enyu.

Mapisarema 139

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, makandinzvera uye munondiziva.

2 Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka; munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure.

3 Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi; munoziva nzira dzangu dzose.

4 Shoko risati rava parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose.

5 Munondikomberedza shure nemberi; makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.

6 Kuziva kwakadai kunondishamisa, kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri.

7 Ndingaendepiko ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu?

8 Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko.

9 Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza, kana ndikandogara kumagumo egungwa,

10 kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza, ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira.

11 Kana ndikati, “Zvirokwazvo rima richandivanza, uye chiedza chinondikomberedza chichava usiku kwandiri,”

12 kunyange rima haringavi rima kwamuri; usiku huchapenya samasikati, nokuti rima rakaita samasikati kwamuri.

13 Nokuti imi makasika zvomukati-kati mangu; makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.

14 Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa, ndinonyatsozviziva kwazvo.

15 Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri, pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda. Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,

16 meso enyu akaona muviri usati waumbwa. Mazuva ose andakarongerwa akanga akanyorwa mubhuku renyu, rimwe rawo risati ravapo.

17 Mirangariro yenyu inokosha sei kwandiri, imi Mwari! Yakakura sei pakuverengwa kwayo!

18 Dai ndaiverenga, ingadai yaikunda tsanga dzejecha pakuwanda. Pandinopepuka, ndinenge ndinemi.

19 Dai mukangouraya vakaipa, imi Mwari! Endai kure neni, imi vanhu vokuteura ropa!

20 Ivo vanotaura nemi nomurangariro wakaipa; vadzivisi venyu vanoshandisa zita renyu zvakaipa.

21 Ko, ini handivengi vanokuvengai here, imi Jehovha, nokusema vaya vanokumukirai?

22 Handina chimwe chinhu asi kuvavenga ivo; ndinovati vavengi vangu.

23 Ndinzverei, imi Mwari, mugoziva mwoyo wangu; ndiedzei mugoziva kushuva kwendangariro dzangu.

24 Muone kana musina nzira yakaipa mandiri, mugondifambisa munzira isingaperi.