Mapisarema 130

Rwiyo rworwendo. 1 Ndakadanidzira kwamuri Jehovha, ndiri pakadzika; 2 haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu. Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni. 3 Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvangu, haiwa Jehovha, ndianiko aimira? 4 Asi kukanganwira kuri kwamuri; naizvozvo imi munotyiwa. 5 Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira, uye tariro yangu iri mushoko rake. 6 Mweya wangu […]

Mapisarema 131

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. 1 Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi, meso angu haana manyawi; handina hanya nezvinhu zvikuru kana zvinhu zvinonyanya kushamisa. 2 Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya wangu; somwana akarumurwa namai vake, somwana akarumurwa, ndizvo zvakaita mweya wangu mandiri. 3 Haiwa Israeri, isai tariro yenyu pana Jehovha, kubva zvino nokusingaperi.

Mapisarema 132

Rwiyo rworwendo. 1 Haiwa Jehovha, rangarirai Dhavhidhi namatambudziko ake ose aakakunda. 2 Akapika mhiko kuna Jehovha, akaita mhiko kuna Wamasimba waJakobho achiti, 3 “Handingapindi mumba mangu kana kuenda kundovata pamubhedha wangu, 4 handingatenderi hope mumaziso angu, kana kutsumwaira mumeso angu, 5 kusvikira ndawana nzvimbo yaJehovha, nzvimbo yokugara yoWamasimba waJakobho.” 6 Takazvinzwa muEfurata, takasangana nazvo muminda […]

Mapisarema 133

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. 1 Zvakanaka uye zvinofadza sei kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana! 2 Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro, anoerera kundebvu, anoerera kundebvu dzaAroni, anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake. 3 Zvinoita sokuti dova reHerimoni riri kuwira pamusoro peGomo reZioni. Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha, ihwo upenyu husingaperi-peri.

Mapisarema 135

1 Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai zita raJehovha; murumbidzei, imi varanda vaJehovha, 2 imi munoshumira muimba yaJehovha, muvanze dzeimba yaMwari wedu. 3 Rumbidzai Jehovha, nokuti Jehovha akanaka; imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, nokuti ndizvo zvakanaka. 4 Nokuti Jehovha akasarudza Jakobho kuti ave wake, naIsraeri kuti ave pfuma yake. 5 Ndinoziva kuti Jehovha mukuru, uye kuti Ishe wedu […]

Mapisarema 136

1 Vongai Jehovha, nokuti akanaka: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. 2 Vongai Mwari wavamwari: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. 3 Vongai Ishe wamadzishe: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; 4 iye oga anoita zvinoshamisa zvikuru, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; 5 iye akaita matenga nokunzwisisa kwake, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; 6 iye akatambanudza nyika pamusoro […]

Mapisarema 137

1 Panzizi dzeBhabhironi takagarapo tikachema, patakarangarira Zioni. 2 Pamikonachando apo ndipo patakaturika mbira dzedu, 3 nokuti ipapo avo vakatitapa vakatikumbira nziyo, vatambudzi vedu vakatigombedzera kuti tiimbe nziyo dzomufaro, vakati, “Tiimbirei rumwe rwiyo rweZioni!” 4 Tingaimba seiko nziyo dzaJehovha tiri munyika yokumwe? 5 Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusarema, ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo. 6 Rurimi rwangu […]

Mapisarema 138

Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai pamberi pa“vamwari.” 2 Ndichakotamira pasi ndakatarisa kutemberi yenyu tsvene, uye ndicharumbidza zita renyu nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu, nokuti makakudza zita renyu neshoko renyu pamusoro pezvinhu zvose. 3 Pandakadana, imi makandipindura; makandishingisa nomwoyo wakasimba. 4 Madzimambo ose enyika ngaakurumbidzei, imi Jehovha, pavanonzwa mashoko […]

Mapisarema 139

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Haiwa Jehovha, makandinzvera uye munondiziva. 2 Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka; munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure. 3 Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi; munoziva nzira dzangu dzose. 4 Shoko risati rava parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose. 5 Munondikomberedza shure nemberi; makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu. 6 Kuziva kwakadai kunondishamisa, […]