Mapisarema 21

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Haiwa Jehovha, mambo anofara musimba renyu. Mufaro wake mukuru sei pakukunda kwamunomupa! 2 Makamupa zvinodikanwa nomwoyo wake, uye hamuna kumunyima zvaikumbirwa nomuromo wake.Sera 3 Makamugamuchira nemikomborero yakapfuma, uye makadzika pamusoro pake korona yegoridhe yakachena. 4 Akakukumbirai upenyu, mukamupa mazuva mazhinji, nokusingaperi-peri. 5 Kubudikidza nokukunda kwamakamupa, kukudzwa kwake kukuru; makaisa pamusoro […]

Mapisarema 22

Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo e“Nondo yamangwanani.” Pisarema raDhavhidhi. 1 Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Sei muri kure zvakadai nokundiponesa, kure zvakadai namashoko okugomera kwangu? 2 Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati, asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari. 3 Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene; ndimi rumbidzo yaIsraeri. 4 Madzibaba edu akavimba nemi; vakavimba, uye mukavarwira. 5 Vakachema kwamuri, vakaponeswa; […]

Mapisarema 23

Pisarema raDhavhidhi. 1 Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa. 2 Anondivatisa pasi pamafuro manyoro, anondisesedza pamvura inozorodza, 3 anoponesa mweya wangu. Anondifambisa panzira dzakarurama nokuda kwezita rake. 4 Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu, handingatyi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza. 5 Munondigadzirira tafura pamberi pavavengi vangu. Munozodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu […]

Mapisarema 24

Pisarema raDhavhidhi. 1 Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi, nyika, navose vanogaramo; 2 nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji. 3 Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha? Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene? 4 Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema. 5 Iye achagamuchira mukomborero unobva kuna Jehovha nokururamiswa kunobva kuna […]

Mapisarema 25

Pisarema raDhavhidhi. 1 Jehovha, ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri; 2 haiwa Mwari wangu, ndinovimba nemi. Musandirega ndichinyadziswa, uye musarega vavengi vangu vachindikunda. 3 Hapana munhu ane tariro mamuri achanyadziswa, asi vachanyadziswa avo vanonyengera pasina chikonzero. 4 Ndiratidzei nzira dzenyu, imi Jehovha, ndidzidzisei nzira dzenyu; 5 nditungamirirei muzvokwadi yenyu mugondidzidzisa, nokuti ndimi Mwari Muponesi wangu, uye tariro […]

Mapisarema 26

Pisarema raDhavhidhi. 1 Nditongerei, imi Jehovha, nokuti ndakararama upenyu husina chahungapomerwa; ndakavimba naJehovha ndisingazungunuki. 2 Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei, nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu; 3 nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose, uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu. 4 Handigari navanhu vanonyengera, kana kufambidzana navanyengeri; 5 ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa, uye ndinoramba kugara navakaipa. 6 […]

Mapisarema 27

Pisarema raDhavhidhi. 1 Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu, ndichagotya aniko? Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu, ndianiko wandingatya? 2 Vanhu vakaipa pavakauya kwandiri kuzodya nyama yangu, vavengi navadzivisi vangu pavanondirwisa, vanogumburwa ndokuwa. 3 Kunyange hondo ikandikomba, mwoyo wangu haungazotyi; kunyange hondo ikamuka kuzondirwisa, ipapo ndichavimba naJehovha. 4 Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha, ndicho chandinotsvaka: […]

Mapisarema 28

Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndinodana kwamuri, imi Jehovha Dombo rangu; musandinyararira. Nokuti kana mukaramba munyerere, ini ndichaita savaya vakaburukira kugomba. 2 Inzwai kuchemera ngoni kwangu, sezvo ndichichemera rubatsiro kwamuri, sezvo ndichisimudza maoko angu ndakatarira kunzvimbo yenyu Tsvenetsvene. 3 Musandikwekweredzera kure pamwe chete navakaipa, naavo vanoita zvakaipa, vanotaura rugare navavakidzani vavo asi vakaviga zvakaipa mumwoyo yavo. 4 […]

Mapisarema 29

Pisarema raDhavhidhi. 1 Ipai kuna Jehovha, imi mune simba ipai kuna Jehovha rukudzo nesimba. 2 Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake. 3 Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji. Mwari wokubwinya anotinhira, Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji. 4 Inzwi raJehovha rine simba; inzwi raJehovha rinokudzwa. 5 Inzwi raJehovha rinovhuna […]

Mapisarema 30

Pisarema. Rwiyo rwokukumikidza temberi. Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndichakukudzai imi Jehovha, nokuti makandisimudza kubva pakadzika, uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu. 2 Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa. 3 Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba. 4 Imbirai Jehovha imi vatsvene vake; rumbidza zita rake dzvene. 5 Nokuti […]