Mapisarema 11

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndinovanda muna Jehovha. Mungareva seiko kwandiri muchiti, “Tizira kugomo rako seshiri. 2 Nokuti tarira, vakaipa vanowembura uta hwavo; vanogadzirira miseve yavo parukungiso, kuti vapfure vari murima, uyo akarurama pamwoyo. 3 Kana nheyo dzaparadzwa, akarurama angaiteiko?” 4 Jehovha ari mutemberi yake tsvene; Jehovha ari pachigaro chake choushe chokudenga. Anocherechedza vanakomana vavanhu; […]

Mapisarema 12

Kumutungamiri wokuimba. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi. 1 Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina; vakatendeka vapera pakati pavanhu. 2 Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema; miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera. 3 Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso, norurimi rumwe norumwe runozvikudza 4 ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu; miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?” 5 “Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simba […]

Mapisarema 13

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here? Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu? 2 Ndichaita mutsimba nepfungwa dzangu kusvikira riniko, uye ndine shungu mumwoyo mangu zuva rimwe nerimwe? Muvengi wangu achandikurira kusvikira riniko? 3 Tarirai kwandiri mugondipindura, imi Jehovha Mwari wangu. Vhenekerai meso angu, kana kuti ndichafa ndakarara; 4 muvengi wangu […]

Mapisarema 14

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Benzi rinoti mumwoyo maro, “Hakuna Mwari.” Vakaora, mabasa avo akashata; hakuna anoita zvakanaka. 2 Jehovha ari kudenga anotarira pasi pamusoro pavanakomana vavanhu, kuti aone kana aripo anonzwisisa, naani zvake anotsvaka Mwari. 3 Vose vakatsauka, vose pamwe chete vakasvibiswa; hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe. 4 Ko, vaiti vezvakaipa havadzidziwo here, ivo […]

Mapisarema 15

Pisarema raDhavhidhi. 1 Jehovha, ndiani angagara munzvimbo yenyu tsvene? 2 Iye anofamba asina chaanopomerwa uye anoita zvakarurama, anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake, 3 uye asina makuhwa parurimi rwake, asingaitiri wokwake zvakaipa uye asingatuki waagere naye, 4 anozvidza munhu akaipa asi anokudza vaya vanotya Jehovha, anochengeta mhiko yake kunyange kana zvichirwadza, 5 anokweretesa mari yake asingarevi […]

Mapisarema 16

Mikitami raDhavhidhi. 1 Ndichengetei zvakanaka, imi Mwari, nokuti ndinovanda mamuri. 2 Ndakati kuna Jehovha, “Ndimi Ishe wangu; kunze kwenyu handina chinhu chakanaka.” 3 Kana vari vatsvene vari panyika, ndivo vakaisvonaka vandinofarira chose. 4 Kuchema kuchawedzerwa, kwaavo vanomhanyira vamwe vamwari. Handichazodiri zvipiriso zvavo zveropa zvinodururwa kana kuisa mazita avo pamiromo yangu. 5 Jehovha, makandigovera mugove wangu […]

Mapisarema 17

Munyengetero waDhavhidhi. 1 Inzwai, imi Jehovha, mukumbiro wangu wakarurama; inzwai kuchema kwangu. Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, usingabvi pamiromo inonyengera. 2 Kururamiswa kwangu ngakubve kwamuri; meso enyu ngaaone zvakarurama. 3 Kunyange mukaedza mwoyo wangu nokundiongorora usiku, kunyange mukandiedza, hamungawani chinhu; ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kutadza. 4 Kana ari mabasa avanhu, neshoko remiromo yenyu, ndakanzvenga […]

Mapisarema 18

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. Akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva mumaoko avavengi vake vose nomuruoko rwaSauro. Akati: 1 Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu. 2 Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari. Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu. 3 Ndinodana kuna Jehovha, […]

Mapisarema 19

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Matenga anotaura kubwinya kwaMwari; matenga anoparidza mabasa amaoko ake. 2 Zuva nezuva anotaura; usiku nousiku anoratidza zivo. 3 Hakuna mutauro kana rurimi kusinganzwiki inzwi ravo. 4 Inzwi razvo rinosvika panyika yose, mashoko azvo kumagumo apasi. Mumatenga imomo, akadzika tende rezuva, 5 rakaita sechikomba chinobuda mumba, seshasha inopemberera kumhanya nhangemutange. 6 […]

Mapisarema 20

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Jehovha ngaakupindure paunotambudzika; zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire. 2 Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene, uye akupe rutsigiro runobva kuZioni. 3 Ngaarangarire zvibayiro zvako zvose uye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa.Sera 4 Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako, uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire. 5 Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako, uye tichasimudza mireza yedu muzita […]